Accessibility links

Breaking News

Vanhu vemuZimbabwe neVamwe muSADC Vorambidzwa Kushanya neNyaya yeMhando Itsva yeCovid-19


Mukoti achibaya nhomba kuVictoria Falls
Mukoti achibaya nhomba kuVictoria Falls

Apo pasi rose riri kugeda geda meno nekuda kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 yakawanikwa kuSouth Africa inonzi omicron inopararirira zvakanyanya, bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu zana negumi nevashanu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika.

Aka ndiko kekutanga vanhu vanodarika zana vachibatwa nechirwere ichi kubva musi wa14 Gumiguru apo pakabatwa vanhu zana nemakumi mana nechirwere ichi.

Pavanhu vakabatwa nechirwere ichi makumi masere nemumwe vari pane chimwe chikoro chekuMasvingo.

Izvi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zana rezviuru nemakumi matatu nematatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 133 951.

Munhu mumwe chete akafa nechirwere ichi zvasiya vafa nechirwere ichi vave zviuru zvina nemazana manomwe nevashanu kana kuti 4, 705. Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni matatu nezviuru mazana manomwe nemakumi matanhatu nemana zvine mazana mashanu nemakumi nematatu nemasere kana kuti 3 764 538.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemashanu zvine makumi mashanu kana kuti 2 795 050.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba mukupera kwemwedzi unouya.

Nyika dzakawanda dzinosanganisira America, Canada, Britain, Israel nedzimwe dziri mugungano reEuropean Union dzinoti hadzichabvumire vashanyi kubva kuZimbabwe, South Africa nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica nekuda kwekutyira kutapurirwa mhando yeCovid-19 yeOmicron iyi.

Asi nyika dzatove neomicron dzinosanganisira Botswana, Belgium, Hong Kong, Britain neIsrael.

Vaimbotungamira chipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayidda vanoti igaroziva kuti zvirwere zvakaita seCovid-19 zvinopota zvichichinjachinja pachiuya mhando dzakasiyana siyana. Vati zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba.

Hurukuro naDr Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG