Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti mimwe mitemo yakatarwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weChipiri yakananganga nekudzivirira kupararira kwemhando itsva yeCovid-19 inonzi omicron inoratidza kuti havana kutanga vataura nevane ruzivo nezvehutano.
VaMnangagwa vakazivisa nyika kuti vashanyi vose kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe vanofanira kuvhenekwa hutachiona hweCovid-19 panhandare yendege, kuitwa izvi kunoda madhora makumi matanhatu ekuAmerica. Vanenge vapinda munyika vanonzi vanofanira kugara pavo vega kwemavhiki maviri vachibhadhara mari dzavo.
Vanhu vave kunzi vagare mudzimba kubva nenguva dza9 manheru kusvika na 6 mangwanani.
VaMnangagwa vanoti izvi vari kuzviitira kuti nyika idzivirire kupararira kwemhando itsva yeCovid-19 iyi. Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nehurumende hazvibatsire vachiti kuungana pavanhu zvikuru mumabhazi neparufu.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu munyaya dzezvehutano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vaudza Studio 7 kuti zvimwe zvakaitwa naVaMnagangagwa zvinoratidza kuti vange vasina kutaura nenyanzvi sezvo zvichinetsa kuzadzikisa.
Vati Zimbabwe haina nzvimbo dzakakwana dzekuti vanhu vagare mavhiki maviri vari voga uye vati kuti vanhu vanzi vamire kufamba nenguva dzepfumbamwe manheru zvinonetsa nekuti hakuna mabhazi ekufambisa..
Zvichakadaro, mumashoko kuvatori venhau, nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti zvichatora mavhiki akawanda kuti dzizive kuti mhando itsva iyi yakamira sei. Imwe kambani inogadzira nhomba yenstraZeneca inoti yatotumira nyanzvi kuBotswana neEswathini kuti dzitange kuita tsvakiridzo yezvemhando itsva iyi.
Mamwe makambani anoti Johnson, Pfizer neModerna anoti atangawo kuita tsvakiridzo dzezvemhando itsva iyi.
Facebook Forum