Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vovimbisa Kubatsira Varombo muBhajeti Ravari Kuparura neChina


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kutarisirwa nemusi weChina kuparura bhajeti ravo regore rinouya vachivimbisa kuti rinenge rakanangana nekusimudzira varombo.

Kunyangwe hazvo mapazi ehurumende akati ari kuda mari inosvika matrillion matatu emunyika, VaNcube vanoti mari iri muhomwe mavo inosvika mabhiriyoni mazana mapfumbamwe kana kuti 900 billion.

Zvimwe zvirongwa zvavanoti vari kuda kuita zvakanangana nekuwedzera mari muhomwe yemari inobatsira vana vanonetseka panyaya dzechikoro yeBasic Education Assistance Module kana kuti BEAM.

Bhajeti iri riri kuuyawo apo ongororo yakaitwa nebhanga guru rinokweretesa mari yeWorld Bank yakaburitsa pachena kuti vanhu mamiriyoni manomwe nezviuru makumi mapfumbamwe muZimbabwe kana kuti 7,9 million vari kunonga svosve nemuromo.

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vaudza Studio 7 kuti vashandi vari kunonga svosve nemuromo uye hurumende inofanira kugadzirisa nyaya yemihoro yevashandi vayo.

Vatiwo Zimbabwe yave kungofanira kushandisa hayo dhora rekuAmerica sezvo remunyika roramba richishaya simba.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaVictor Bhoroma vudzawo Studio 7 kuti pane zvakawanda zvavari kutarisira mubhajeti vachiti hurumende inofanira kudzikisa mitero iri kubhadharwa nevamwe vemakambani uye kudzikisa mutengo wemafuta ekufambidsa dzimotokari.

Sachigaro wesangano reAfrica Round Table VaOswell Binha vatiwo vemabhizimisi vari kutsenga mhandire nemavende vachiti vanoda kubatsirwa sezvo vakawanda vavo vari kutatarika nekuda kwedambudziko rechirwere cheCovid-19 rakanganisa hupfumi pasi rose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG