Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoti mubhajeti regore rinouya vari kutarisira kushandisa mari inosvika mabhiriyoni mazana mapfumbamwe kana kuti 900 billion emadhora emunyika asi pavakapedzisira kuverenga, mapazi ehurumende ainge achida mari inodarika matrillion matatu emadhora emunyika.