Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopinda Muzuva reChipiri Pasina Afa neCovid-19


Bazi rezvehutano rinoti neMugovera hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvichireva kuti nyika yapinda muzuva repiri pasina afa sezvo neChishanu pasinawo akashaya.

Vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga kupararira gore rapera vachiri zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi masere memashanu kana kuti 4, 685.

Asi vanhu makumi maviri nevaviri vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nematatu ane zana nemakumi matanhatu nemasere kana kuti 133 168.

Pane vakabatwa nechirwere ichi neMugovera ava pane vana vechikoro vanomwe vakabatwa nechirwere ichi, vatanhatu kuMatabeleland South nemumwe chete kuManicaland.

Vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu nemakumi mana nevaviri nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 2 642 392 vabayiwa nhomba yeCovid-19 kaviri sezvinotarisirwa.

Vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi matanhatu nematatu zvine mazana manomwe nemakumi manomwe nemapfumbamwe.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kuti inyatsoshanda sezvinotarisirwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG