Bato guru rinopikisa, reMDC Alliance, rinoti motokari yemutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, yakapfurwa nepfuti uye ikatemwa nematombo nevanofungidzirwa kuti vasori nevatsigiri veZanu-PF kwamutare nezuro.
Asi hurumende ichiri kuti hupfumi hunokwira nezvikamu zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,8 percent ichiti izvi ichazviita kuburikidza nekusunga vemabhizimisi vari kunzi vari kukanganisa hupfumi nekutenga nekutengesa mari pamukoto uye kudhurisa zvinhu kunyangwe vawana mari nemutengo wakaderera kuRBZ.
Hurumende yakazivisa kuti kutanga nhasi, Muvhuro, vashandi vayo vose vanenge vasina kubayiwa nhomba vachamiswa basa vonyimwa mari yemihoro kunze kwekunge vaine zvikonzero zvakati tsvikiti.
Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti bato ravo haritsigiri danho rekuti sarudzo dza2023 dzimbomira kuitwa kuti munyika muiitwe nhaurirano.
Vaimbova mukuru wechipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayida vanoti vanowirira nedanho rehurumende rekuti pari zvino imbosimbaradza hurongwa hwekubaya vanhu nhomba dzeCovid-19 mbiri pasati pabayiwa nhomba nhatu sezvave kuitwa kune dzimwe nyika dzakaita seAmerica.
Hurumende inoti kutanga neMuvhuro uno vashandi vose vehurumende vasina kubayiwa nhomba yeCovid-19 havasi kuzobvumidzwa kushanda uye havatembire mari.
Bato reMDC Alliance rinoti vatsigiri veZanu-PF vachitsigirwa nemapurisa nemauto vari kuenderera mberi vachishungurudza nhengo dzebato ravo kuMasvingo uko mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vari kusangana nevanhu, masabhuku nevamwe.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti danho rotorwa nehurumende rekusunga vanonzi vari kutengesa mari pamukoto harisi kuzogadzirisa dambudziko rekushaya simba kwedhora remunyika nekushaikwa kwemari yekunze
Sachigaro webato reMDC Alliance VaMorgan Komichi vanoti bato ravo ratanga misangano nevatsigiri vavo kuti vaone kuti potorwa danho ripi kugadzirisa mamiriro ezvinhu munyika asi vachiti havo vari kuda kuti bumbiro remitemo rivandudzwe.
Nyanzvi munyaya dzezvemitambo VaMore Moyo vanoti mushure mekuronhwa 3-1 neGhana neMugovera mukana weZimbabwe wekuenda kumakwikwi a Qater 2022 World Cup hauchina kujeka
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 neMugovera zvasiya vafa nacho vave zviuru zvina nemazana matanhatu anemakumi matatu nematanhatu kana kuti 4, 636.
Vaimbove gurukota rinoona nezvehutano muhurumende yemubatanidzwa Dr Henry Madzorera vanoti hurumende inofanira kupota ichiburitsa huwandu hwevanhu vanenge varwara kana kufa mushure mekubayiwa nhomba yeCovid-19.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa mangwana kuvhura zviri pamutemo kechina dare reparamende rechipfumbamwe asi nhengo nhanhatu dzeMDC Alliance dzinosanganisira mutevedzeri weMDC Alliance VaTendai Biti dzinenge dzisiri mudare.
Vanhu vekuSt.Barbaras, muWard 13 pasi pasabhuku Mwedzani, vanonzi vari kutya kuti vachatorerwa misha yavo mushure mekunge kwauya vanhu munharaunda yavo nechinangwa chekuda kutanga kuchera matombo anotengeswa kunze kwenyika, emhando yegranite.
Gurukota rinoona nezvemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vadzikisa huwandu hwevanhu vari kuda kupihwa zvekudya nehurumende pamwe nemasangano akazvimirira oga sezvo nyika yakakohwa pakuru gore rapera.
Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti havana chivimbo nesangano rinoona nezvesaruzdo munyika reZimbabwe Electoral Commission vachiti rinorerekera divi rimwe chete kunge gakandye.
Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti Zimbabwe pari zvino haina hurongwa hwekubaya nhomba keChitatu kune vamwe vanhu kana kuti “booster shot” sezviri kuitwa nenyika yeAmerica nedzimwe dzakabudirira.
Nyaya yekusaitwa kwesarudzo dzemaby-elections kubva gore rapera uye makakatanwa munyika pakuti Zimbabwe Electoral Commission ingakwamise kuita mutongi gava here yave kukonzera kuti zvinhu zvisagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika pachikandiranwa makobvu nematete.
Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti bato ravo harisi kuzoita hwaSamusoni wemubhaibheri hwekufukura hapwa nekupa Dheraira zvakawandika nezvepaibva simba rake zvakapa kuti azourayiwe nemaFirisitia.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChipiri izvo zvakasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matanhatu negumi nevashanu (4,615).
Rodhai zvimwe