Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votura Mashoko kuNyika MDC Alliance Ichiti VaMudenda Vari Kuvashungurudza neKuda Chigaro Chakasiyiwa naVaMohadi


VaTendai Biti

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa mangwana kuvhura zviri pamutemo kechina dare reparamende rechipfumbamwe asi nhengo nhanhatu dzeMDC Alliance dzinosanganisira mutevedzeri weMDC Alliance VaTendai Biti dzinenge dzisiri mudare kunyangwe dare repamusoro rakatongazve kuti dzidzokere kudare.

VaBiti nevamwe vavo vanoti, VaWillias Madzimure vekuKambuzuma, VaSettlement Chikwinya — Mbizo, VaKucaca Ivumile Phulu — Nkulumane, VaSichelesile Mahlangu — Pumula naVaRegai Tsunga — Mutasa South vakambodzingwa vachinzi vainge vabuda mubato rePeople's Democratic Party, PDP, asi dare repamusoro rakapa mutongo kaviri kuti hazvaikwanisika kuti vadzingwe nechikwata chePDP chaVaBenjamin Rukanda avo vakakwikwidza sarudzo nerimwe bato.

Asi panguva dzose idzi mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vari kuramba kuvatambira zvinonzi naVaChikwinya zviri kukonzerwa nekuda kwavo kufadza bato ravo reZanu-PF nekumbunyikidza MDC Alliance kuti vapihwe chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika chakasiiwa naVaKembo Mohadi.

Hurukuro naVaSettlement Chikwinya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMudenda varamba mashoko aya vachiti VaRukanda vachiri kumatare nekudaro havakwanise kubvumidza VaBiti nevamwe vavo kuti vadzoke.

Mashoko aVaJacob Mudenda
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro VaMudenda vaudza Studio 7 kuti nekuda kwekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, VaMnangagwa vachaparura chirongwa chemamiriro akaita zvinhu munyika kana kuti State of the Nation Address pavhidhiyo kwete kuenda kuparamende setsika yaiitwa kare.

Mabhiri ari kutarisirwa kuzeyiwa anosanganisira anobata mashandio emasangano akazvimirira oga kana kuti Non-Governmental Organisations, the Private Voluntary Organisations Amendment bill uye mutemo wekuomesera vanombunyikidza kodzero dzevana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG