Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Hupfumi hweZimbabwe Hauchakwira seZvayange Yakatarisira


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube

Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund, IMF, rinoti hupfumi hweZimbabwe mukupera kwegore huchakwira nezvikamu zvinodarika zvishanu zvishoma kubva muzana kana kuti 5.1% kwete zvinodarika zvitanhatu kubva muzana sezvarainge rakatarisira.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Godfrey Kanyenze, vati vanotenderana nezviri kutaurwa neIMF.

Asi hurumende ichiri kuti hupfumi hunokwira nezvikamu zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,8 percent ichiti izvi ichazviita kuburikidza nekusunga vemabhizimisi vari kunzi vari kukanganisa hupfumi nekutenga nekutengesa mari pamukoto uye kudhurisa zvinhu kunyangwe vawana mari nemutengo wakaderera kuRBZ.

Sangano rinomirira vemabhizimisi reConfederation of Zimbabwe Industries mumashoko kuvatori venhau rinoti zvekusunga vemabhizimisi hazvishande uye zvichapa kuti zvinhu zvitange kushaika muzvitoro. Mashoko aya atsinhirwa nevaimbova gurukota rezvemari vari mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaTendai Biti.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemabhanga vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vati vemabhizimisi havafanire havo kuregwa vachiita madiro aJojina.

Sachigaro weZimbabwe Anti-Corruption Commission, Amai Loice Matanda Moyo, vakatoyambira kuti vemabhizimisi vari kuita zvehuori vachasungwa. Bazi rematikitivha reRBZ Financial Intellience Unit rinoti rine mazita evari kunzi vari kuita zvehuori vari vakuru vemabhizimisi vanonzi vanosvika makumi maviri.

Kuratidzawo kuti zvinhu hazvina kugadzikana, dhora remunyika riri kuramba richishaya simba zvekuti pamusika wemukoto dhora rimwe rekuAmerica riri kumbotengwa nemadhora mazana maviri kana kuti 1:200 asi kumusika weRBZ Foreign currency Auction richitengwa nemadhora makumi mapfumbamwe kana kuti 1:90.

Pakaparurwa musika weRBZ foreign currency auction dhora rekuAmerica raitengwa nemadhora makumi masere kana kuti 1:80 pamukoto richitengeswa nezvikamu makumi mapfumbamwe kana kuti 1:90.

IMF yave kutarisirawo kuti mutengo wezvinhu kana kuti inflation ichapedza gore ir pazvikamu makumu mapfumbamwe kubva muzana kana kuti 92, 5 % kunyangwe hurumende iri kuti inogona kuenda pasi pezvikamu makumi mashanu nezvitatu kubza uzana kana kuti 53%.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG