Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi muNyaya dzezveHupfumi Inoti Kusunga Vanhu Hakumise Kushaya Simba kweDhora remuNyika


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti danho rotorwa nehurumende rekusunga vanonzi vari kutengesa mari pamukoto harisi kuzogadzirisa dambudziko rekushaya simba kwedhora remunyika nekushaikwa kwemari yekunze.

Vachitaura nebepanhau reSunday Mail, muchuchusi mukuru wehurumende VaKumbirai Hodzi vayambira kuti vachasungwa vachagara mujeri kwenguva yakareba uye RBZ yatiwo iri kusangana svondo rino nevemabhizimisi kuona kuti chii chapa kuti vatengese zvinhu nemutengo wedhora rekuAmerica.

Mutengo wedhora remunyika kuRBZ zvikamu makumi masere nemashanu padhora rekuAmerica kana kuti 1:85. Asi pamukoto dhora remunyika riri kutengeswa nemari inosvika kumadhora zana nemakumi masere kana kuti 1; 180.

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG