Accessibility links

Breaking News

ZEC Ingakwanise Kuita Mutongi Gava Here Musarudzo?


Zimbabwe Electoral Commission
Zimbabwe Electoral Commission

Nyaya yekusaitwa kwesarudzo dzemaby-elections kubva gore rapera uye makakatanwa munyika pakuti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, ingakwamise kuita mutongi gava here yave kukonzera kuti zvinhu zvisagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika pachikandiranwa makobvu nematete.

Nemusi weChina sangano reZEC rinonzi rainge risina kukoka MDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa kuti ipinde mumisangano yekuzeya nyaya dzesarudzo mumatunhu ichiti yainge isina mazita evamiriri vebato iri uye mumwe mukuru musangano iri achinzi ainge ati harisi bato rezvematongerwo enyika.

Asi ZEC yakazotumira mashoko kuvatori venhau ichiti MDC Alliance yakasungunuka kupinda mumisangano yairi kuita.

Mumwe mukuru muZEC VaUtoile Silaigwana vakaudza Studio7 kuti havasi mutauriri wekomisheni iyi vakati titaure naAmai Joyce Kazembe avo vati bato reMDC Alliance rakasungunuka kupinda mumisangano yeZEC.

Kunyangwe hazvo nyika dzakapoteredza Zimbabwe dzakaita seZambia, Tanzania neMalawi dzakaita sarudzo South Africa ichitarisirwa kuita munguva pfupi inotevera, sarudzo muZimbabwe dzakangomiswa nehurumende kwenguva isina kutarwa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu varimukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti ZEC haifanire kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Dzikiti, vanoti hapana chakaipa chiri kuitwa neZEC vachiti zvairi kuita zvose zviri pamutemo.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaGilbert Dzikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG