Accessibility links

Breaking News

Hurumende Youdza Vanhu Kuti Vasateerera Manyepo Ari Kutaurwa Pamusoro peNhomba yeCovid-19


Nhomba yePfizer

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChipiri izvo zvakasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matanhatu negumi nevashanu (4,615).

Mukuru anoona nezvekurwisa chirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agness Mahomva, var kukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba uye vasateerere manyepo ari kubuda pamadandemutande akasiyana siyana ekuti vanotora nhomba vanogona kuzorwara kana kufa mumakore anotevera.

Vanhu mazana matatu nemakumi mana nevashanu (345) vakabatwa nechirwere cheCovid-19 neChipiri chakare.

Izvi zvakasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nemazana maviri nemakumi manomwe nevaviri (130, 272).

Vanhu vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru makumi matanhatu nemazana mana nemakumi manomwe nevatanhatu (3 060, 476). Vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri nemakumi maviri nezvipfumbamwe nemazana matatu negumi (2 229, 310).

Huwandu hwevari kubayiwa nhomba yeCovid-19 pazuva huri kudzikira sezvo hurumende yakati inoda kubaya vanhu zviuru makumi mana pazuva.

Hurumende inoti inoda kubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG