Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti bato ravo harisi kuzoita hwaSamusoni wemubhaibheri hwekufukura hapwa nekupa Dheraira zvakawandika nezvepaibva simba rake zvakapa kuti azourayiwe nemaFirisitia.
VaChamisa vaudza Studio 7 kuti kana nguva yasvika vachazivisa nyika nezvezita ravachashandisa musarudzo. Izvi zvinotevera makakatanwa aunzwa nekuti ndiyani achashandisa zita rekuti MDC Alliance musarudzo.
Vakasarudzwa kutungamira bato reMDC-T VaDouglas Mwonzora vakabuda vachiti vachashandisa zita rekuti MDC Alliance musarudzo.
Asi VaChamisa vanoti aka hakasi kekutanga mapato anozviti MDC achipinda musarudzo akawanda asi vanhu vachingovhotera wavanoda sezvakaitwa ivo namushakabvu Morgan Tsvangirai musarudzo.
VaChamisa vatiwo handi chokwadi chiri kutaurwa nevanovapikisa kuti havana gwara rakajeka. Vati bato ravo rine hurongwa hwakajeka hwekugadzirisa hupfumi uye kuumba mabasa.
Vaenderera mberi vachiti pavakapinda muhurumende yemubatanidzwa vakaratidza kuti vane njere dzakapinza nekuti zvinhu zvakatanga kufamba zvakanaka munyaya dzezvehupfumi nemagariro evanhu.
Vatiwo vane chivimbo chekuti vakakunda zvine mutsindo vanokwanisa kutungamira nyika vachiti zvakataurwa nemutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba kuti vakarwa hondo havavatenderi kutungamira kutungana kwembudzi.
Facebook Forum