Accessibility links

Breaking News

Danho reHurumende reKumira Kubaya Nhomba yeCovid-19 Yetatau Parizvino Rotambirwa neImwe Nyanzvi


Nhomba dzePfizer
Nhomba dzePfizer

Vaimbova mukuru wechipatara cheChitungwiza Dr Enoch Mayida vanoti vanowirira nedanho rehurumende rekuti pari zvino imbosimbaradza hurongwa hwekubaya vanhu nhomba dzeCovid-19 mbiri pasati pabayiwa nhomba nhatu sezvave kuitwa kune dzimwe nyika dzakaita seAmerica.

Nyika dzakabudirira dziri kubaya nhomba yetatu kune vakwegura nevanoshanda muzvipata sezvo zviri kunzi zvinobatsira masoja emuviri.

Dr Mayida vaudza Studio 7 kuti vanotenderabna nezvakataurwa panhepfenyuro ino nemukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 Dr Agnes Mahomva kuti vakoshese kubaya vanhu nhomba kaviri parizvino.

Hurukuro naDoctor Enoch Mayida
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri negumi nevana zvine mazana mana nemakumi manomwe nemanomwe kana kuti 3 214, 477 vabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 kekutanga.

Vabayiwa nhomba kaviri sezviri kukurudzirwea vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana nemakumi manomwe nemaviri zvine mazana masere nemakumi mashanu nemapfumbamwe kana kuti 2, 472, 859.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshande sezvinotarisirwa.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vaviri vakafa neMugovera nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi mashanu nevanomwe kana kuti 4, 657.

Vanhu makumi mana nevasere vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru zana nemakumi matatu nemaviri zvine mazana matatu nemakumi matatu nematatu kana kuti 132,333.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG