WASHINGTON —
Nyanzvi munyaya dzezvemitambo VaMore Moyo vanoti mushure mekuronhwa 3-1 neGhana neMugovera mukana weZimbabwe wekuenda kumakwikwi eQatar 2022 World Cup hauchina kujeka zvekuti zvave kungodiwa kuti chikwata ichi chitarise mamwe makundano nekuumba chikwata chakasimba kutanga ikozvino.
MuGroup G mune Zimbabwe, South Africa ndiyo iri pamusoro ne 7 points, Ghana 6 points, Ethiopia 3 uye Zimbabwe iri pasi ne 1 point. Patambwa mitambo mitatu, Zimbabwe yakangoita mangange 0-0 neSouth Africa uye ndiyo yega isati yakunda kana mumutambo mumwe chete.
Facebook Forum