Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaviri Vofa neCovid-19 neMugovera Vana Vechikoro Gumi neVapfumbamwe Vachibatwa neChirwere ichi


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 neMugovera zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matanhatu ane makumi matatu nematanhatu kana kuti 4, 636.

Vanhu makumi mashanu nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi uye pavanhu ava, gumi nevapfumbamwe vana vechikoro. Izvi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru zane nemakumi matatu nechimwe zvine mazana manomwe nemakumi matanhatu nemaviri kana kuti 131 726.

Hurumende inoti vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru zana nemakumi matanhatu nevasere zvine mazana masere nemakumi mashanu nechimwe kana kuti 3 168 851.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezvinotarisirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana nemaviri zvine mazana masere nemakumi mana nezvishanu kana kuti 2, 402 845.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG