WASHINGTON D.C. —
Vanhu vekuSt. Barbaras, muWard 13 pasi pasabhuku Mwedzani, kuMutasa kuManicaland, vanonzi vari kugara vakabatira hura mumaoko mushure mekunge kwauya vanhu munharaunda yavo vachitora matombo kubva pagomo rinonzi Gutu nechinangwa chekuda kutanga kuchera matombo anotengeswa kunze kwenyika. Mumiriri wenzvimbo iyi mudare reParamende, VaTrevor Saruwaka, vanoti vagari vari kutya kuitwa musengabere sezvakaitwa vamwe kwaMarange, kuChilonga kuChiredzi uye kutya kutamiswa kubva mumisha yavo sezvakaitwa vamwe kuDinde, Mutoko, Mrewa, Chivhu nekumwe.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando, sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.
Facebook Forum