Accessibility links

Breaking News

Vagari Mudunhu reMutasa Votyira Kubviswa Munzvimbo Yavo Kuti Mucherwe Matombo


Matombo eGranite akashandiswavo paMifananidzo iri paHeroes Acre
Matombo eGranite akashandiswavo paMifananidzo iri paHeroes Acre

Vanhu vekuSt. Barbaras, muWard 13 pasi pasabhuku Mwedzani, kuMutasa kuManicaland, vanonzi vari kugara vakabatira hura mumaoko mushure mekunge kwauya vanhu munharaunda yavo vachitora matombo kubva pagomo rinonzi Gutu nechinangwa chekuda kutanga kuchera matombo anotengeswa kunze kwenyika. Mumiriri wenzvimbo iyi mudare reParamende, VaTrevor Saruwaka, vanoti vagari vari kutya kuitwa musengabere sezvakaitwa vamwe kwaMarange, kuChilonga kuChiredzi uye kutya kutamiswa kubva mumisha yavo sezvakaitwa vamwe kuDinde, Mutoko, Mrewa, Chivhu nekumwe.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando, sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG