Gurukota rinoona nezvemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vadzikisa huwandu hwevanhu vari kuda kupihwa zvekudya nehurumende pamwe nemasangano akazvimirira oga sezvo nyika yakakohwa pakuru gore rapera.
Mashoko aya ari kuuya hawo kunyangwe hazvo vamwe vari kuti chirwefre cheCovid-19 chapa kuti vanhu vakawanda, zvikuru vari mumaguta vanonge svosve nemuromo.
Bhanga reWorld Bank muongororo yarakaita rakati vanhu vanoda kusvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana muZimbabwe vanoda rubatsiro rwezvekudya.
Asi VaMavima vanoti ongororo yakaitwa nehurumende nemasangano anopa rubatsiro inoratidza kuti huwanmdu hwevanoda rubatsiro hwaderera zvikuru. Asi vanoti vanoshaisisa, nhererera, vanorwara zvekutadza kuzviitira mabasa nevakaremara vachapihwa rubatsiro kutanga mwedzi uno waGumiguru.
Facebook Forum