Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yomisa Basa Vashandi Vayo Vose Vasina Kubayiwa Nhomba yeCovid-19


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga

Hurumende inoti kutanga neMuvhuro uno vashandi vose vehurumende vasina kubayiwa nhomba yeCovid-19 havasi kuzobvumidzwa kushanda uye havatembire mari.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vaudza Studio 7 kuti vashandi vakapihwa nguva yakakwana yekubayiwa nhomba uye vasina vari kuzomiswa basa nekuti vanenge votyora mutemo.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti uku kuyedza kuda kumanikidza vari kuzengurira kuti vabayiwe nhomba yeCovid-19 sezvo huwandu hwevari kubayiwa huri kuramba huchidzikira.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kusvika muna Zvita asi nehuwandu hwevanhu vari kubayiwa pazuva zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida.

Hurumende yakaburitsa mugwaro rayo kana kuti Government Gazette kuti mushandi wose wehurumende anenge asina kubayiwa nhomba kusvika musi wa15 Gumiguru acharangwa.

Asi zvinonzi vamwe vanogona kuregererwa ndokunge vapa zvikonzero zvakati tsvikiti zvekuti sei vasina kubayiwa nhomba.

Vashandi vehurumende vanodarika zviuru mazana matatu kana kuti 300 000.

Masangano evaraitidzi akaita seARTUZ nePTUZ anoti hurumende haifanire kumanikidza vashandi kubayiwa nhomba asi kungovakurudzira nekuvapa dzidziso yakakwana.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG