Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Havana Chivimbo neZEC


VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vanoti havana chivimbo nesangano rinoona nezvesaruzdo munyika reZimbabwe Electoral Commission vachiti rinorerekera divi rimwe chete kunge gakandye.

Asi mutauriri weZEC Amai Joyce Kazembe vanoti komisheni yavo yakazvimirira uye ichakoka MDC Alliance yaVaChamisa kumisangano yayo yepamwedzi. Pane mashoko ekuti ZEC yaimbenge yaramba kuti MDC Alliance isapinde mumisangano iyi ichiri harisi bato.

Asi mushure memutauro wakanyanya munyika, ZEC inonzi yakazorova nhendeshure.

VaChamisa vanoti mitemo yesarudzo inofanira kuvandudzwa sarudzo dzisati dzaitwa asi havasi kuzoregedza kupinda musarudzo dzacho.

Vachitaura pane vamwe vakabauda mubato mavo nekutya kudzingwa mudare reparamende kana makanzuru, VaChamisa vanoti havasi kuzovatambira zvekare nekuti varatidza kuti vanoda kuguta kwavo chete.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG