Accessibility links

Breaking News

Amai Chigumba Vanoti Vozorwa Mafuta eNguruve Yavasina Kudya Pakusaitwa kweSarudzo


sachigaro weZEC Priscilla Chigumba
sachigaro weZEC Priscilla Chigumba

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba varamba mashoko ekuti ndivo vari kuramba kuti sarudzo dzema by elections dziitwe vachiti mitemo yeCovid-19 yakadzikwa kuchengetedza vanhu yakapa kuti zvimwe zvinofanira kuitwa pasi pebumbiro remitemo zvimbosendekwa parutivi.

Izvi zvinosanganisira sarudzo dzakamiswa kwenguva isina kutarwa nemutemo wechimbi chimbi wakadzikwa nebazi rezvehutano.

umashoko avatumira kuStudio 7 vachipindura mibvunzo yedu panyaya yesarudzo dzemaby elections, Amai Chigumba vatiwo mazuva esarudzo anotarwa nemutungamiri wenyika achinzwa kubva kuZEC nekugadzirirawo kwainenge yakaita. Amai Chigumba vatiwo nyaya iyi ichiri kudare repamusoro reHigh Court nekudaro vakasungwa maoko pari zvino.

Asi sachigaro wesangano rinoongorora nezvesarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network VaAndrew Makoni vanoti sarudzo idzo dzabe kufanira kuitwa nekuti kune nzvimbo mukanzuru zana nemashanu uye makumi maviri memasere muparamende dzisisina vamiriri kwenguva yakareba nekuda kwekuti vamwe vakadzingwa nebato reMDC-T vachinzi vari kuMDC Alliance, vamwe vakadzingwa neZanu-PF vamwewo vakafa.

VaMakoni vati havaone chinotadzisa kupa Zimbabwe kuita sarudzo kana nyika dzakapoteredza dzakaita seZambia neSouth Africa dzichiita sarudzo munguva yeCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG