Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Zvirango Zvokanganisa Zimbabwe Kugadzirisa Dambudziko reKushanduka kweMamiriro eKunze


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChipiri vakataura pamberi pemusangano wekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti Climate Change kuGlasgow, Scotland vachiti Zimbabwe yakazvipira kuita zvose zvinodiwa kuti ideredze kusvibiswa kwemweya wekufema.

Asi vakatiwo vari kumbokanganiswa nezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika. Vatiwo nyika dzakabudirira dzinofanira kubatsira dzevarombo dzisiri kukanganisa zvakanyanya mamiriro ekunze

Vachitaurawo pagungano iri, mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakakumbira ruregerero nedanho rainge ratorwa nevaive mutungamiri wenyika wavakakunda musarudzo VaDonald Trump rekumbobuda muchibvumirano cheParis Agreement chekukurudzira nyika kuti dzitore matanho ekuti mamiriro ekunze asanyanye kushanduka.

VaBiden vatiwo nyika dzichiri kubudirira dzinoda mari inosvika zana remabhiriyoni kana kuti US$100 billion pagore mukuderedza nyaya dzekushanduka kwemamiriro ekunze. Vati America ichaparura hurongwa hwemabhiriyoni matatu kana kuti 3 billion pagore mukubatsira munyaya dzekugadzirisa mamiriro ekunze.

Asi panyaya yezvirango veAmerica neEuropean Union vari kurambawo vakamira semusambangwena vachiti hurumende yaVaMnangagwa inofanira kuvandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.

Hurumende yeZimbabwe yange ichitiwo VaMnangagwa vachasangana nemutungamiri wehurumende yeBritain VaBoris Johnson asi pane mashoko ari kubva kuhurumende yeBritain ekuti zvinenge zvakona n’anga sezvo vati vakabatikana havakwanise kutaura naVaMnangagwa.

Mukuru musangano rinorwira kodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vati Zimbabwe inoziva hayo zvinoda kuitwa zvakafana nekuremekedza kodzero dzevanhu. Musangano wekuScotland uri kukokerwa neUnited Nations uchapetewa musi wa 12 Mbudzi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG