Accessibility links

Breaking News

Huwandu Hwevari Kufa neCovid-19 Pazuva Hworamba Huchiderera


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro zvasiya vafa nechirwere ichi vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi matanhatu nemapfumbamwe kana kuti 4, 669.

Vanhu makumi maviri nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro zvasiya vabatwa nacho vave zviuru zana nemakumi matatu nemaviri zvine mazana matanhatu nemakumi mashanu nechimwe kana kuti 132 651.

Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi matanhatu nemasere zvine mazana matanhatu nemakumi mashanu nemashanu kana kuti 3, 268, 655.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezvinotarisirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu nemakumi matatu nemapfumbamwe nemazana mashanu nemakumi maviri nemana kana kuti 2, 539, 524.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG