Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vana Vofa neChirwere cheCovid-19 Chopararira Zvakanyanya Muzvikoro


COVID VACCINE
COVID VACCINE

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChitatu zvasiya vafa nechirwere ichi vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi masere nematatu kana kuti 4,683.

Vanhu makumi mana vakabatwa nechirwere neChipiri uye pavanhu ava pane vana vechikoro makumi maviri nematatu vaviri vari kuManicaland, vatanhatu kuMatabeleland South uye gumi nevashanu kuMasvingo.

Izvi zvasiya vanhu vabatswa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nematatu nemakumi mana nemanomwe kana kuti 133 047.

Vanhu vabayiwa nhomba kekutanga mamiriyoni matatu nezviuru zvitatu nemazana matanhatu negumi nemaviri kana kuti 3 325 612.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu negumi zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti 2 610 796.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG