Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodzika Mutemo Unoomesera Zvakanyanya Masangano Akazvimirira Oga


Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi
Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi

Hurumende nemusi Chishanu kuburikidza negwaro rehurumende reGovernment Gazette rakaburitsa bhiri rekuvandudza mutemo une chekuita nemasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organizations Amendment Bill 2021.

Mugwaro rayo iri, hurumende inoti iri kuvandudza mutemo uyu kuti uendererane nekurudziro yakaitwa kuti mari dzinozoshandiswa nevanoita zvechitororo kana kupfurikidza mwero vasashandise masangano emuZimbabwe kuita izvi. Mutemo uyu unonzi Financial Action Taskforce kana kuti FATF.

FATF isangano rakazvimirira rakaumbwa mun 1989 nenyika nomwe dzakabudirira kana kuti G7 nechinangwa chekuona kuti mari dzamabasa ehutororo hachifambiswe kuburikidza nedzimwe nyika. Mutemo uri kubvandidzwawo kuti masangano akazvimirira oga asapinde munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi magweta anorwira kodzero dzevanhu pasi rose anoti hurumende dzakaita seZimbabwe, Zambia, Ghana, Tanzania neUganda dzave kushandisa mitemo yeFATF zvisizvo dzichikanganisa zvakanyanya mashandiro emasangano akazvimirira aya. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi gwet rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe haidi kuti masangano akazvimirira ashande akasungunuka sezvo achitaura chokwadi chisingadiwe nehurumende.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG