Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanangwa vakasimuka nemusi Svondo vakananga kuGlasgow, Scotland kumusangano weUnited Nations wezvemamiriro ekunze kana kuti COPE 26.
Kunyangwe hazvo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzichiti misangano yeUnited Nations inoendwa kana nevakatemerwa zvirango, VaMnangagwa nevebatao reZanu-PF vanonzi vari kuita sekunge vakokwa neBritain.
Asi VaMnangagwa vanoti vari kutarisira kuita musangano nemutungamiri wehurumende yeBritain vaBoris Johnson nevamwe vatungamiri venyika kumucheto wemusangano uyu. Kumusangano uyu kuri kutarisirwa vatungamiri venyika zana kusanganisira mutungamiri wenyika yeAmerica vaJoe Biden.
Vachitaura nezvemusangano uyu, pavhidhiyo padandemutande ravo reTwitter mazuva mashoma adarika, VaMnangagwa vakati Africa yave kutoona kuipa kwekushanduka kwemamiriro ekunze kunyangwe isiri pamberi mukuzvibiswa mweya unofemwa.
Asi mukuru wesangano rioona nezvekodzero dzevanhu vari munharaunda dzine zviwanikwa reCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo VaMnangagwa vari kungotaura zvinhu zvisiri kuitwa nehurumende yavo.
Facebook Forum