Accessibility links

Breaking News

Cara Black Osarudzwa Kuva Pavatambi Vepamusoro neVatsigiri veTennnis Pasi Rose


Mutambi weTennis akaita mukurumbira zvikuru munyika Cara Black ndiye anzi akavhoterwa nevanhu vakawnda zvikuru pasarudzo dzange dzichiitwa dze 2022 Fan Vote for International Tennis Hall of Fame.

Cara akambopedza mavhiki zana nemakumi matanhatu nematatu ari pamuso soro pamapoinzi mumitambi yevanotamba vari vaviri kana kuti doubles.

Mutambi wetennis wekuItaly, Flavia Pennetta apedza ari pachidanho chechipiri achiteverwa naAnaIvanović wekuSerbia.

Iri rimwe danho rakakosha kuti Cara Black apinde munhoroondo yemutambo uyu sezvo pachavhota vatori venhau vanonyora nhoroondo yemutambo uyu uye vamwe vakatosarudzwa kare kupinda munhoroondo yemutambo uyu kana kuti Hall of Fame.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG