Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Dzinoti Hadzione United Nations Ichibudirira Kuti Iudze America neEU Kuti Zvirango Zvibviswe


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden

Nhumwa yeUnited Nations iri munyika Doctor Alena Douhan, avo vari kuongorora nyaya yezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vakuru muhurumende yavo nevamwe vavanodyidzana navo vanonzi vari kuita zvehuori iri kuenderera mberi nemisangano nevakuru vehurumende nevakatemerwa zvirango izvi.

NeChitatu, Amai Douhan vakaita musangano nevakafanobata chigaro chemumiriri weAmerica muZimbabwe VaThomas Hastings avo vakaramba kuti zvirango zvakatemerwa vana veZimbabwe vachiti zvakatemrwa vashoma vanotonga nedemo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongrwo enyika zvinoratidza kuti kunyangwe nhumwa iyi ikakurudzira kuti zvirango zvibviswe hazvisi kuzobviswa kusvika Zimbabwe yaita zvairi kukurudzirwa neAmerica, Britain nenyika dziri muEuropean Union nekudaro inofanira kushanda zvakasimba kugadzirisa hupfumi hwayo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti zvirango mazvokuda hinoda kuitwa kuremekedza kodzero dzevanhu.

Gweta vari nhengo yeZanu-PF, VaTinomudaishe Chinyoka, avo vanombomirirawo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti havanone zvirango zvichibviswa nekuti kwauya nhumwa yeUnited Nations vakakurudzira kuti Zimbabwe iite zvinoibatsira zvakaita sekuriswa huori vachiti vakatemera zvirango havazvibvise nekuti havana kufara nekutorwa kweminda ichipihwa vatema.

European Union yakatemera zvirango vakuru venyika kutanga muna 2002, America ichiitawo zvimwe chetezvo kutanga muna 2003. Hurumende inoti zvirango izvi zvapa kuti Zimbabwe irasikirwe nemabhiriyoni emadhora ekuAmerica akawanda.

Hurukuro naVaTinomudaishe Chinyoka naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG