Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vanoti Vane Bhajeti reMabhiriyoni Mazana Mapfumbamwe eMadhora Asi Mapazi eHurumende Achida Three Trillion Dollars


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti mubhajeti regore rinouya vari kutarisira kushandisa mari inosvika mabhiriyoni mazana mapfumbamwe kana kuti 900 billion emadhora emunyika asi pavakapedzisira kuverenga, mapazi ehurumende ainge achida mari inodarika matrillion matatu emadhora emunyika.

Izvi zvakabuda kumusangano wavakaita nenhengo dzeparamende kuVictoria Falls kubva Mugovera kusvika neMuvhuro.

Misangano pakati pegurukota rezvemari nemamwe makurukota ehurumende nenhengo dzeparamende yakakosha zvikuru mukugadzirwa kwebhajeti renyika.

Kuburikidza nekomiti yekufambiswa kwemari nemabhajeti, nhengo dzeparamende dzinotenderera nyika yose dzichinzwa pfungwa dzevanhu idzo dzinozoturwa kugurukota rezvemari pamusangano wepagore uyu.

Vachitaura pamusangano uyu, VaNcube vakavimbisa kuti bhajeti ravo rinenge rakanangana nevarombo.

Asi nyaya yakanetsa kumusangano uyu ndeyekushaya simba zvinotyisa kwoita dhora remunyika.

Kubhanga guru renyika, dhora rekuAmerica riri kutengwa nemadhora emunyika makumi mapfumbamwe nemanomwe kana kuti US$1: ZW$ 97 asi pamusika wepamukoto panotenga nekutengesa vakawanda dhora rekuAmerica riri kutengwa nemadhora mazana maviri emunyika dzimwe nguva kana kuti US$1:ZW$ 200.

VaNcube vanoti havasi kuzomisa kushandiswa kwedhora iri sezviri kudiwa nevamwe.

Nhengo yeparamende inomirira Norton, VaTemba Mliswa, vati nyaya yekudhura kwemitengo yezvinhu inofanira kugadziriswa.

Mashoko aya atsinhirwa naVaShakespear Hamauswa vanomirira Warren Park vari nhengo yeMDC Alliance.

Vanomiririra Hatfield mudare reparamende, VaTapiwa Mashakada, vatiwo mari dzakapihwa Zimbabwe neInternational Monetary Fund dzemaSpecial Drawing Rights dzinofanira kushandiswa zvine mwero mukugadzirisa nyaya yezvivakwa.

Vachipawo pfungwa dzavo, vanokokera nhengo dzedare reparamende muZanu-PF, VaPupurai Togarepi, vati VaNcube havafanire kukanganwa vari kumamisha nekugadzira zvibhorani nezvimwe zvekusimudzira magariro avo.

VaNcube vakati vachaparura bhajeti regore rinouya musi wa 25 Mbudzi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG