Musangano wezvekushanduka kwemamiriro ekunze wechimakumi maviri nenhanhatu kana kuti Cope26 wakapinda muzuva retatu nemusi weChitatu vatungamiri venyika dzakanyanya kutarisana nekuchinja kwemamiriro ekunze dzinoti Nigeria, Madagascar neBarbados vachitaura.
Musangano unokokerwa neUnited Nations uyu uri kuitirwa kuGlasgow, Scotland.
Asi neChipiri vatungamiri venyika zana vari kumusangano uyu kusanganisira VaEmmerson Mnangagwa, VaJoe Biden vekuAmerica, VaBoris Johnson, Britain vakatsidza kuzvipira kuti nyika dzavo dzidzikisa zvakanyanya zvinosvibisa mweya wekufema zvakaita semethane inobuda pakudhonza mafuta ekufambisa dzimotokari, kutema miti nezvimwe.
VaBiden vakavimbisa kudzikisa methane iyi nezvikamu makumi matatu kubva muzana panosvika gore ra2030. Asi vakashora vatungamiri veChina neRussia nekusaenda kumusangano uyu.
Nyanzvi mubazi rezvekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti Climate Mitigation Department VaLawrence Mashungu vaudza Studio 7 kuti musangano uyu wakakosha zvikuru sezvo zvinhu zvisina kumiara zvakanaka nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze.
Facebook Forum