Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoita Musangano wePagore Mubato Muine Bata Murefu Bata Mupfupi


Mutungamiri Wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri Wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Bato riri kutonga reZanu-PF neChitatu riri kutarisirwa nemusi weChitatu kutanga musangano wavo wepagore kajna kuti annual conference kuBindura, Mashonaland Central mubato iri muine kunetsana nekurwisa kwakasimba.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanova mutungamiri webato iri vakatenda kuti mumusangano mave kuita mhirizhonga vakavimbisa kutora matanho akasimba kune vari kupomerwa mhosva yekukonzera kusagadzikana nekuda kwesarudzo dziri kuitwa mumatunhu.

MuHarare, Manicaland, Mashonalad West, Mashonaland East neManicaland muri kuitika mhirizhonga inotyisa zvapa kuti vakawanda vasungwe.

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri webato iri VaMike Bimha vanoti vana tinhayi dzirwe ndivo vari kuti ubato mune kunetsana kwakasimba. Vati parizvino vari kuita gadziriro yakasimba kuona kuti vakunda zvine mutsindo musarudzo dzinotevera dza2023.

Hurukuro naVaMike Bimha
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:15:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG