Accessibility links

Breaking News

Magweta Ozeya Kuendeswa kwaVaMnangagwa kuMatare Vachinzi Vakatora Chigaro Zvisiri paMutemo muZanu-PF


VaEmmerson Mnangagwa

Bato reZanu-PF kuburikidza nevanoona nezvekufambiswa kwemabasa VaObert Mpofu mumapepa arakatura kudare repamusoro reHigh Court rinoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havakwanise kuendeswa kumatare sezvo bumbiro remitemo richiti izvi zvinoitwa chete kana vasiya chigaro.

Izvi zvinotevera kukwira kudare repamusoro kwakaita nhengo yeZanu-PF VaSybeth Musengezi vachiti bato ravo rakatyora bumbiro raro remitemo apo Central Committee yakasarudza VaMnangagwa kutungamira bato musi wa 19 Mbudzi mushure mekunge mauto apidigura vaive mutungamiri wenyika varobert mugabe.

Ko bumbiro remitemo rinoti kudii chaizvo panyaya iyi? Nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti VaMnangagwa havakwanise kuendeswa kumatare panyaya yakadai pachitariswa bumbiro remitemo.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Imwe nyanzvi munyaya dzezvebumbiro remitemo, Doctor Alex Magaisa vanodzidzisa paUniversity of Kent kuBritain vanotiwo kunyangwe VaMnangagwa vasingakwanise kuendeswa kudare, bato ravo rinokwaniswa kuendeswa kumatare.

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG