Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshorwa Padambudziko reKuroorwa kweVanasikana Vasati Vabva Zera


Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti hurumende haisi kuratidza kuzvipira kurwisa dambudziko rekuroodzwa kwevana vasati vabvazera.

Izvi zvinotevera mhindiro yakapihwa nehurumende kunyaya iri kumatare yekuti idzike mitemo inobatsira mukudzikisa dambudziko iri, rakashorwawo neUnited Nations.

Vakaenda kumatare kuti hurumende iomesere vanoroora nekuroodza vana vasati vabvazera, vanosanganisira Muzvare Sharon Moffat, vekuMasvingo, vakabatana nemasangano akaita seLegal Resources Foundation neWomen’s Coalition of Zimbabwe.

Vari kuda kuti pachechi yeMarange pose paitwe dzidziso yekuti kuroodza vanasikana vasati vabva zera kutyora mutemo, zvichinzi zviitwe kwemavhiki gumi nemapfumbamwe.

Vakaendeswa kumatare vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, gurukota rezvemadzimai, Amai Sithembiso Nyoni uye Zimbabwe Gender Commission, vachinzi vamise tsika yekuroodza vana vasati vabve zera kunoitwa nechechi yeMarange Apostolic Church of St Johanne neIndependent African Apostolic Churches ichimiririrwa neApostolic Churches Council.

Hurumende iri kukurudzirwawo kuti itore vanasikana vakaroorwa vasati vabvazera yovatsvagira kwekupotera.

Asi magweta ehurumende anoti aita zvose zvinodiwa pamutemo kuchengetedza kodzero dzevanasikana uye vari kuiendesa kumatare vari kuratidza kurasika.

Hatina kukwanisa kubata VaZiyambi kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti hurumende haisi kuratidza kuzvipira kugadzirisa dambudziko iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG