Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weChitatu zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi masere nemana kana kuti 4, 684.
Vanhu makumi mana nemana vakabatwa nechirwere ichi kusanganisirawo vana vechikoro makumi maviri nemaviri kuMasvingo. Izvi zvasiya vabatwa nechirwere ichi vave zana rezviuru nemakumi matatu nematatu zvine makumi mapfumbamwe nechimwe kana kuti 133 091.
Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi matatu nematanhatu zvine makumi manomwe nemapfumbamwe kana kuti 3 336 079.
Vabayiwa nomba kaviri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu negumi nemasere zvin zana nerimwe kana kuti 2 618 101. Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda.
Facebook Forum