Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzuirwa Kubayiwa Nhomba yeCovid-19 Sezvo Chirwere Ichi Chodzoka Zvakanyanya kuRussia neDzimwe Nyika


Zimbabwe's Health Minister David Parirenyatwa warns people to wash their hands and drink only clean water.
Zimbabwe's Health Minister David Parirenyatwa warns people to wash their hands and drink only clean water.

Vaimbova gurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa vari kukurudzira vanhu kuti varambe vachibayiwa nhiomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19. Dr Parirenyatwa vaudza Studio 7 kuti vanhu havafanire kuvarairwa nekuti huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere ichi hwati dzikirei parizvino

Hurukuro naDr David Parirenyatwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda.

Asi huwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba munyika huri kuramba huchidzika zvakanyanya, bazi rezvehutano rainge riine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba mukupera kwegore.

Izvi zviri kuuya apo nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti vanhu vakasabayiwa nhomba, chirwere ichi chinogona kudzoka zvine mutsindo kachina kana kuti fourth wave sezvavekuitika kunyika dzakaita seDominican Republic, Belgium ne Russia.

Mushure mekumbopedza mazuva maviri pasina afa nechirwere cheCovid-19, bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere ichi neMugovera zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi manomwe nemanomwe kana kuti 4, 677.

Vanhu makumi maviri nevasere vanosanganisra vana vechikoro gumi nevana pane chimwe chikoro kuMidlands vakabatwa nechirwere ichi. Izvi zvasiya vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nemaviri nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemana kana kuti 132 954.

Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nemaviri kana kuti 306 792.

Vanhu vabayiwa kaviri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemazana manomwe nemakumi mana nemaviri kana kuti 2 590 742.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG