Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopinda Muzuva Retatu Pasina Afa neChirwere cheCovid-19


Zimbabwe neSvondo yakapinda muzuva retatu pasina munhu ati afa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi vachiri zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi masere nemashanu kana kuti 4, 685.

Vanhu gumi nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi nemusi weSvondo uye pavanhu ava, gumi nevaviri vana vechikoro kubva mudunhu reBulawayo. Vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zana rezviuru nemakumi matatu nematatu zvine zana nemakumi masere nemanomwe kana kuti 133, 189.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi manomwe nechimwe zvine mazana masere nemakumi matanhatu nemanomwe kana kuti 3 371 867 vabayiwa nhomba yekutanga.

Vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu nemakumi masere zvine nemazana manomwe nemakumi mana kana kuti 2, 648 740 vabayiwa nhomba kaviri sezvinokurudzirwa kuti kuti inyatsoshande.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG