Mushure mekupedza nguva yakareba nyika ichishorwa nekusaita sarudzo nemasangano anorwira kodzero dzevanhu nenyika dzekunze, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazozivisa kuti sarudzo dzemaby-elections dzave kuitwa muna Kubvumbi.
Sarudzo idzi dzinofanira kuitwa kutsiva vakafa uye kudzingwa mudare reparamende zvikuru nhengo dzeMDC Alliance.
Pane sarudzo makumi maviri nemasere mudare reparamende uye dzimwe zana neshanu mumakanzuru.
Asi kunyange hazvo VaMnangagwa vakati sarudzo dzave kuzoitwa, Zimbabwe Electoral Commission yave kuimba rumwe rwiyo ichiti haichakwanise kufamba ichinyoresa vavhoti nekuti hofisi yamabharani mukuru wehurumende haisi kukwanisa kupa vanhu zvitupa.
Asi nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Dzikiti, vanoti VaMnangagwa vabudirira kuita zvavakavimbisa zvekuunza hutongo hwejekerere nekuvandudza hupfumi.
Meya weHarare vakambomiswa basa VaJacob Mafume vanotiVaMnangagwa vari kutya kuita sarudzo dzakachena nekuti vakundikana kuzadzikisa zvavakavimbisa kuita mushure mekutora masimba hurumende yaVaMugabe yapidigurwa nemauto makore mana adarika.
Asi kunyange dzimwe nyika dzakaitsa seSouth Africa, Malawi, Zambia, Tanzania nedzimwe dzekunze dziri kuita sarudzo nenguva, hurumende yeZimbabwe yange ichitsika madziro ichiti hadzingaitwe munguva yekurwisa denda reCovid-19.
Facebook Forum