Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Tsvakurudzo yeKuona Kuti Mazera Madiki Angabayiwe Here Nhomba yeCovid-19


America yatotanga kubaya vana vane makore mashanu zvichikwira nhomba

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agnes Mahomva vanoti nyanzvi munyaya dzezvehutano dzatotanga kuita ongororo yekuona kuti vana vari pasi pemakore gumi nematanhatu vanokwanisa kubayiwawo here nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Zimbabwe yakatotarisira kutanga hurongwa hwekubaya vane vane makore gumi nematanhatu negumi nemanomwe nhomba yeSinovac zvichitevera kuridziro kubva kunyanzvi munyaya dzezvemashandiro enhomba.

Hurukuro naDr Agnes Mahomva
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MuAmerica vana vane makore mashanu zvichikwira vatotanga kubayiwa nhomba iyi pachitevedzerwa mitemo yebazi rinoona nezvezvirwere munyika iyi, reCenters for Disease Control kana kuti CDC.

Vana vane makore mashanu kusvika gumi nemanomwe vari kunzi vabayiwe nhomba yePfizer-BioNTech. Vane makore gumi nemasere vanokwanisa kubayiwa Pfizer BioNTech, Moderna neJanssen yeJohnson and Johnson.

Tichiri panyaya iyi, bazi rezvehutano rinoti neMugovera hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira gore rapera vachiri zviuru zvina nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu kana kuti 4, 696.

Vanhu makumi matatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi neMugovera wakare kusanganisira vana vechikoro gumi nevana kubva kudunhu reMasvingo, nevamwe gumi nevatatu vakabva kuSouth Africa.

Izvi zvasiya vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kuaparira vave zana rezviuru nemakumi matatu nematatu zvine mazana mana nemakumi maviri nemasere kana kuti 133 428.

Vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana mana nemakumi matanhatu nevaviri ane mazana makumi masere nemashanu kana kuti 3, 462 085.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri sezvino kurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nemaviri zvine mazana mana nemakumi matatu nechimwe kana kuti 2 692 431.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG