Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yatenga Nhomba yeCovid-19 Mamiriyoni Makumi Maviri Asi Vari Kuda Kubayiwa Vashoma


Bazi rezvehutano rinoti richiri nechivimbo chekuti vanhu mamiriyoni gumi vange vabayiwa nhomba yeCovid-19 munyika mukupera kwemwedzi unouya kuti intyatsoshande zvakanaka kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Bepanhau reHerald rinoti gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti Zimbabwe yakwanisa kuwana nhomba dzinosvika mamiriyoni makumi maviri zvichitreva kuti inokwanisa kubayiwa vanhu vanosvika mamiriyoni gumi vari kudiwa nehurumende.

Mukuru anoona nezvekudzivirira kwechirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agnes Mahomva vanoti havasati vadududza pachinangwa chavo chekuti vabaye vanhu mamiriyoni gumi nhomba mukupera kwemwedzi unouya.

Kunyangwe hazvo huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere ichi munyika huri kudzika, nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti chirwere ichi chinogona kudzoka zvine mutsindo kechina kana vanhu vasina kubayiwa nhomba.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vari kubayiwa nhomba parizvino.

Dr Enoch Mayida vakambotungamira chipatara cheChitungwiza vari munyori mukuru weZimbabwe Medical Association mudunhu remashonaland vanoti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba sezvo chirwere ichi chichiramba chichishanduka.

MuAfrica, Zimbabwe iri pachidanho chegumi panyayaya yekubaya nhomba yeCovid-19. Pamusoro pane Sychelles ichiteverwa neMauritius neMorroco. Botswana ndiyo iri pamberi kuchamhembe kweAfrica iri pachidanho chechipfumbamwe, South Africa iri pachidanho chegumi nerimwe. Pasi rose vanhu vanodarika mabhiriyoni manomwe nezviuru mamamiriyoni mazana mana kana kuti 7, 4 billion vabayiwa nhomba yeCovid-19. America ndiyo ine vanhu vakawandisa vabayiwanhomba yeCovid-19 vanosvika mamiriyoni mazana mana nemakumi mana kana kuti 440 million.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti kuti chirwere chisapararire zvakanyanya muAfrica vanhu zvikamu makumi matanhatu kubva muzana vanofanira kubayiwa nhomba, Africa ine vanhu bhiriyoni imwe chete nemamiriyoni zviuru mazana matatu kana kuti 1,3 billion.

Asi vanhu vabayiwa nhomba Africa parizvino vadarika zvishoma zvikamu makumi matanhatu kubva muzana chete kana kuti 6, 06% zvinoreva kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Vanhu vafa muAfrica vanosvika zviuru mazana maviri nemakumi maviri nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nemasere kana kuti 220, 958.

Sangano rinoona nezvehutano pasi rose reWorld Health Organization rinoti chirwere ichi chatodzoka zvine mutsindo kana kuti fiurth wave kuEurope zvikuru kunyika dzakaita seGermany, Britain, Russia neFrance. Nyanzvi munyaya dzezvehutano munyika idzi dzinoti vasina kubayiwa nhomba ndivo vapa kuti chirwere ichi chitange kuita mutema rege wembada. Sezvo nyaya dzekushanyirana dzatanga, pane mukana wekuti chirwere ichi chinogona kupararira zvakanyanya muAfrica mune vanhu vashoma vabayiwa nhomba yeCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG