Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoramba Kuti Yave Kudzika Mutemo weKumbunyikidza Masangano Akazvimirira Oga


Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi varamba kuti hurumende yakatovandudza mutemo mutsva unoona nezvemasangano akazvimirira apo yakaburitsa bhiri rePrivate Voluntary Organizations Bill nemusi weChishanu mugwaro rayo reGovernment Gazette.

VaZiyambi vaudza Studio 7 kuti vanhu vakasungunuka kuzeya zvavakaburitsa izvi usati wave mutemo. Vanoti vanokwanisa kuenda kumisangano ichaitwa nenhengo dzedare reparamende uye kunyorera kuna mabharani wedare reparamende.

Vanoti hurumende mukuita izvi iri kuzadzikisa kurudziro dziri kuitwa pasi rose kuti pasaumbwe masangano akazvimirira oga anozoita zvehutororo pasi pesangano reFinancial Action Task Force kana kuti FATF rakaumbwa muna 1989 nenyika nomwe dzakabudirirakana kuti G7.

Asi masangano akazvimirira oga akaudza Studio 7 kuti hurumende yakabva yauraya nhunzi iri pahuma yasahwira nedemo mukuzadzikisa kwainoti yakaita zviri kukurudzirwa neFATF.

Hurukuro naVaGibson Mushangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG