Accessibility links

Breaking News

Vabereki Voronga Kutorera Mapurisa Matanho paNyaya yeKurohwa kweVana Vavo paGokomere


Mukuru wemapurisa kuMasvingo Rural apihwa mazuva manomwe nemagweta kuti aferefete kurohwa zvakaipisisa nemapurisa kwevamwe vadzidzi veform yechitatu vairatidzira pachikoro cheGokomere nemafambisirwo ari kuitwa nyaya dzekuranga vana pachikoro ichi.

Mutsamba yanyorerwa mapurisa iri mumaoko eStudio 7, magweta evabereki anoti vana vakarohwa musi weSvondo neMuvhuro svondo rino mangwanani. Vabereki vanoti mukuru wemapurisa uyu akasaferefeta nyaya iyi mukati memazuva manomwe vachatora matanho avasina kudoma.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi ravo asi mapurisa mumwedzi yadarika ange achibhadhara mari yakawanda yekuripa vanhu vanenge vatyorerwa kodzero dzavo.

Hatinawo kubata vakuru vepachikoro apa sezvo nhare yange isiri kupinda. Gweta riri kumiririra vabereki VaMartin Mureri vaudza Studio 7 kuti vange vasati vawana mhinduro kubva kumapurisa pataenda pamhepo.

Hurukuro naVaMartin Mureri
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG