Mutongi wedare, VaTinashe Tashaya, vati pasi pemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act, pane chikamu chinotaura pachena kuti munhu anenge asungwa nemhosva seyaipomerwa vanomwe ava, anomiswa mberi kwedare chete kana muchuchisi wehurumende apa mvumo yekuti nyaya iyi itongwe.