Accessibility links

Breaking News

Dare Rorambidzazve MDC Kuratidzira kuBulawayo Uko Kwazadzwa Mauto neVasori


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Bato rinopikisa reMDC rakundikana kuratidzira nhasi mushure mekunge dare ramejastiriti ratenderana nemapurisa kumisa kuratidzira uku.

Mapurisa nezuro akazivisa kuti ainge amisa kuratudzira uku pasi pemutemo wePublic Order and Security Act.

Kunyangwe hazvo bato reMDC range rapikisa mutongo uyu mangwanani, mutongi wedare ramejastiriti VaTinashe Tashaya vazopa mutongo wavo manheru ano vachitenderena nemapurisa kuti kuratidzira uku kusaitwe pachityirwa kuti panogona kuzoita mhirizhonga.

Murongi wemabasa mubato reMDC VaAmos Chibaya vaudza Studio 7 kuti vanoshushikana zvikuru nekwavati kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu.

Asi vati ivo sebato rinotevedzera mutemo vacharamba vachienda kumatare panenge pakakodzera

Asi nhengo yeZanu-PF uye vaimbova nhengo yedare reparamende vaimbomirira Pelandaba Mpopoma VaJoseph Tshuma vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa remapurisa rakanaka chose.

Kunyagwe hazvo zvitoro nemabhanga zvange zvakavhurwa, vanhu vange vari vashoma zvikuru mudhorobha.

Pamisika nema flea market ari muzvimbo dzakasiyana siyana panosigara paine mhomho yevanhu pange pasinawo vanhu.

Mapurisa aswera achitenderera mudhorobha uye ange akachengetedzawo nzvimbo dzakadai sepadare ramejastiriti.

Vanhu vataura neStudio 7 vapa maonero akasiyana siyana pamusoro penyaya yekutatidzira.

Mumwe mugari asina kuda kudomwa nezita ati kurambidza vanhu kuratidzira uye kuzara kwange kwakaita mapurisa muguta ndezvimwe zvezvinhu zvinogona kukonzera mhirizhonga.

Mumwewo mugari uyo angozvidoma nezita rekuti James ati maonero ake ndeekuti kuratidzira hakuna zvakunobatsira.

Vanhu vakawanda muBulawayo havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Zvichakadaro, sachigaro weMDC Muzvare Thabitha Khumalo nedzimwe nhengo dzebato iri nhanhatu vabhadhariswa mari yechibatiso yemadhora mazana maviri pamunhu mumwe chete.

Vanomwe ava vakasungwa nemusi weMugovera vachipomerwa mhosva yekushambadza mashoko anogona kukonzera mhirizhonga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG