Accessibility links

Breaking News

Madzimai eMDC Oshushikana neRusarura Rudzi Kuti Kuitika muBulawayo


Tinashe Kambarami
Tinashe Kambarami

Boka remadzimai ebato reMDC mudunhu reBulawayo rinoti riri kushushikana nezviitiko zvinokurudzira kupatasanurana kwemarudzi zviri kuitika muguta reBulawayo, nokudaro rave kutora matanho ekudzivirira maitiro akadai.

Vachitaura mushure memusangano wekuzeya nyaya iyi wavaita pamahofisi ebato reMDC muBulawayo, sachigaro weboka remadzimai mudunhu reBulawayo, Amai Tendai Masocha, vaudza Studio7 kuti semadzimai vanoshora zvikuru kuyedza kupatsanura vanhu kuchishandiswa nyaya dzemarudzi.

Amai Masocha vati kuita kwakadai hakuna kunaka zvachose vakati sesangano remadzimai eMDC vachapinda muvanhu vachiedza kupa dzidziso yekuti maitiro aya asakurudzirwa.

Imwe nhengo yeboka remadzimai eMDC, Amai Lillian Mlilo, vaudza Studio7 kuti vakazvarirwa mudunhu reMashonaland East asi vakaroorwa kuKezi. Vati havawone zviri zvinhu zvine maturo kuti vanhu vapatsanurane kuchishandiswa marudzi.

Imwezve nhengo yeboka remadzimai eMDC, Amai Thandile Sesedza, vatiwo chizvarwa chekuFilabusi asi vakaroorwa kudunhu reManicaland. Vatsinhirawo kuti haisi tsika yakanaka kukurudzira kupatasanurana kwevanhu kuchishandiswa marudzi.

Munyori wesangano reIbhetshu likazulu, VaMbuso Fuzwayo, vatiwo vanoshorawo nyaya yekukurudzira kupatsanurana kwevanhu kuchishandiswa marudzi.

Asi vati zvinhu zviri kuitika muBulawayo unogona kuve mucherechedzo wekuti vanhu vemuBulawayo nematunhu eMatebeleland vane zvichemo zvakasiyana-siyana zvave nenguva yakareba zvisingagadziriswi.

Vati zvakakosha kuti hurumende, vemachechi pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira vashande pamwe chete kugadzirisa matambudziko aya uye kudzidzisa vanhu kukosha kwekugarisana zvakanaka pasingatariswe zvemarudzi.

Matanho ari kutorwa neboka revanhukadzi muMDC mudunhu reBulawayo anotevera kupokana kwakaitika pakati pemutevedzeri wameya weBulawayo, VaTinashe Kambarami, nemunyori weguta, VaChristopher Dube.

Mune imwe vhidhiyo yakatenderera pasocial media, VaDube vanonzwikwa vachituka VaKambarami nemashoko anonyadzisira uye vachishandisa mutauro unokurudzira kupatsanurana kwemarudzi.

Asi VaDube vakazokumbira ruregerero muhurukuro yavakaita neStudio7.

NeMuvhuro painzwikwa chikumbiro chekuti VaKambarami vabviswe pakuve kanzurasezvo vakabatwa nemhosva yekuba icho chakakwidzwa kudare reHigh Court nesangano re1893 Mthwakazi RestorationMovement, pane vamwe vechidiki vaiimba vachinyomba vanhu verudzi rwechiShona panze pedare iri.

Nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu nekugarisana dzinoti kupesana kwemarudzi chinhu chongadzirisika nyore nyore kana munhu wese akataora matanho ekuziva kuti remangwana rakanaka renyika rinoda kunzwisisana nemubatira pamwe wevanhu vemarudzi akasiyana siyana.

Mune imwewo nyaya, gungano repagore reMining, Engineering and Transport Expo kana kuti Mine ENTRA iro rinounganidza vemakambani anoita zvezvicherwa, michina nezvifambiso pamwe nezvigadzirwa zvinoshandiswa mumbasa aya, riri kutanga mangwana.

Vanoona nezvekutengesa nekufambiswa kwemashoko mukambani yeZimbabwe International Trade, Muzvare Doreen Dzamatira, vaudza Studio7 kuti zvinhu zvose zvave mugwara uye gungano iri, iro rinopera nemusi weChishanu, richavhura mangwana negurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando neChitatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG