Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inomwaya Mapurisa muBulawayo


Mapurisa anodzivirira mhirizhonga aswera achitenderera muguta reBulawayo zvichitevera zhowe zhowe yakaitika panze pedare ramajasitireti nezuro manheru zvichitevera mutongo wakapihwa Ishe Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni.

Muguta reBulawayo maswera makazara mapurisa zvisingawanzoiitiki mazuva ose izvo zvasiya vanhu vakawanda vasina mufaro muguta iri.

Kushaya mufaro uku kuri kuitika muBulawayo zvichitevera kurohwa kwakaitwa vanhu vakakuvara zvakaipisisa muHarare nezuro, umo vanhu vanodarika zana vakakuvadzwa nezvombo zvaishandiswa nemapurisa ayo aidzinga vanhu vakanga vapinda muguta zvichitevera kurudziro yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yekuti vanhu vapinde mumigwagwa vachiratidzira.

Asi kuratidzira uku kwakamiswa nemapurisa achishandisa chikamu chemutemo wePublic Order and Security Act, kana kuti POSA.

NeChishanu, muBulawayo makamboitikawo zhowe zhowe zvichitevera kutongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemisere kwakaitwa Ishe Ndiweni, mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekupisa nekuputsa zvivakwa kuNtabazinduna.

Ishe Ndiweni vakatongwa pamwe nevamwe vanhu makumi maviri nevatatu, asi vanhu ava vakapiwa mutongo wekuti vaite community service yema awa mazana mashanu nemakumi maviri nemashanu.

Gweta raIshe Ndiweni, VaDumisanni Dube, raudza Studio7 kuti kupikisa kwavo mudare reHigh Court mutongo wakapiwa Ishe Ndiweni kuri kunonotswa nekuti havasati vawana magwaro avanoda emafambisirwo akaitwa nyaya iyi mudare.

Mutauriri weMDC mudunhu reBulawayo, VaSwithern Chiroodza, vanoti zvinoshamisa kuona Ishe vachisungwa nekukandwa mujeri.

Mumwe mugari wemuBulawayo, VaMoses Kumbweya, vanoti mutongo wakapihwa Ishe Ndiweni unoratidza kuti vematare vave kutonga vachitarisa kuti munhu abuda mumba maani.

Bato reMDC rine hurongwa hwekuratidzira muBulawayo nemusi weMuvhuro, muhurongwa hwebato iri huchaona kuratidzira kuchiitwawo svondo rinouya mumaguta anoti Gweru, Masvingo neMutare.

Pane chikwata chiri kukurudzirawo vagari vemuguta iri kuti varatidzirewo nemusi weMuvhuro senzira yekuratidza kusafara nemutongo wakapiwa Ishe Ndiweni.

Izvi zvinogona kuva zvapa kuti mapurisa ave akawanda muguta reBulawayo pachityirwa kuti mhirizhonga inogona kuputika chero nguva muguta iri.

Munyori wesangano reBulawayo Church Leaders, Reverend Sikhalo Cele, vanoti sangano ravo riri kukurudzira ruzhinji munyika kusaita zvemhirizhonga.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, Assistant Commission Paul Nyathi, kuti seyi mapurisa awandisa muguta iri, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG