Accessibility links

Breaking News

Nyaya Iri Kupomerwa Muzvare Khumalo Inoraswa neDare


Thabitha Khumalo
Thabitha Khumalo

Dare redzimhosva rarasa mhosva yanga ichipomerwa sachigaro weMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, pamwe nevamwe vavo vatanhatu, richiti vanomwe ava vakaunzwa kudare zviri kunze kwemutemo.

Mutongi wedare, VaTinashe Tashaya, vati pasi pemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act, pane chikamu chinotaura pachena kuti munhu anenge asungwa nemhosva seyaipomerwa vanomwe ava, anomiswa mberi kwedare chete kana muchuchisi wehurumende apa mvumo yekuti nyaya iyi itongwe.

VaTashaya vakomekedza kuti nyaya dzakadai hadzifanirwe kuunzwa kudare pasina kutevedzerwa kwemutemo.

Vati vanomwe ava vadzorerwe mari yavo yechibatiso vakatiwo kana muchuchisi achida kuzosimudzira nyaya iyi, dare rinozodeedza vanomwe ava nemasamanisi.

Muchuchisi wenyaya iyi, Amai Memory Matare, vatambira zvaturwa nemutongi wedare.

Gweta revanomwe ava, VaGodfrey Nyoni, avo vaive vapa chikumbiro chekuti dare rirase nyaya iyi, vati zvaturwa nedare zvinoreva kuti vanomwe ava vave nerusununguko rwavo.

Muzvare Khumalo vati zvaturwa nedare zvinobudisa pachena zvavanogara vachitaura sebato reMDC kuti nhengo dzavo dzinogara dzichisungwa nekumiswa mumatare nekuda kwezvinhu zvisina mature.

Muzvare Khumalo nevamwe vatanhatu ava, vakasungwa muna Nyamavhuvhu vachipomerwa mhosva yekunyepa kana kushambadza mashoko anogona kukanganisa kugadzikana kwezvinhu munyika.

Mune imwewo nyaya, mukuru wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries mudunhu reMatabeleland, VaShepherd Chawira, vati panofanirwa kutorwa matanho akasimba kuvakuru vakuru vehurumende vanoshandisa magetsi vasingabhadhari.

Vachitaura neStudio 7 kumapeto emusangano weWater Sanitation Hygiene and Energy, kana kuti WASHen muBulawayo, VaChawira vati kupindira kwehurunde pakutarwa kwemutengo wemagetsi kunoita kuti ave mashoma sezvo achitengeswa nemutengo uri pasi.

Mukupeta nyaya dzemuguta reBulawayo kambani yeNational Railways of Zimbabwe yaramba kuti yambomisa kufambisa zvitima zvinotakura vanhu nekuda kwekurasikirwa nemari yakawanda pakuita izvi.

Mutauriri wekambani yehurumende iyi, VaNyasha Maravanyika, vaudza Studio 7 parunhare kuti chitima chinofamba pakati peBulawayo neHarare chakangotadza kufamba kwemazuva maviri nekuda kwezvaigadziriswa panjanji. Vati zvitima zvavo zvose zvave kufamba semazuva ose.

Vanhu vakawanda vave kuona zviri nani kufamba nechitima pane mabhazi sezvo chitima chisingadhuri.

Mabhazi ari kudaidzira mari iri pakati pemadhora zana nemakumi maviri kusvika pamadhora zana nemakumi matanhatu kubva muBulawayo kuenda kuHarare, asi chitima chichiita madhora makumi maviri nematatu chete parwendo rumwe chete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG