Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuBulawayo Vokurudzira Kumutsiridzwa kweMaindasitiri muGuta Ravo


Izvi zvabuda pamusangano wakaitwa neStudio 7 yakabatana neMedia Centre muguta iri nemusi weChina manheru.
Izvi zvabuda pamusangano wakaitwa neStudio 7 yakabatana neMedia Centre muguta iri nemusi weChina manheru.

Vamwe vagari vemuBulawayo vanoti zvakakosha kuti vanhu vave nemafungiro matsva uye kuti nyaya yehuwori igadziriswe kuitira kuti maindasitiri emuguta reBulawayo akwanise kumutsurudzwa.

Pfungwa idzi dzakabuda nezuro manheru pamusangano wakaitwa neStudio 7 muBulawayo senzira yekunzwa pfungwa dzevanhu pakuti maindasitiri emuguta remuBulawayo nagamutsurudzwa sei.

Mukuru wesangano reAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, VaReginald Shoko, vakaudza musangano uyu kuti vanhu havafanirwe kungochema-chema chete pasina zvavanoita pachavo kuitira kuti vachinje hupenyu hwavo.

VaShoko vakati kune vagari vemuBulawayo vakawanda vari kugara muSouth Africa nekune dzimwe nyika vakatiwo mabataniro anoita vagari ava panofa hama neshamwari dzavo, ndiwo mabataniro avanofanirwa kuita mukuedza kumutsurudza maindasitiri.

VaShoko vakashorawo nyaya yekuti vanhu vakawanda munyika vanofarira kutenga zvinhu zvinogadzirwa kunze kwenyika vachiti izvi zvinobatsira kuuraya makambani mashoma achiri kushanda.

VaShoko vakashorawo nyaya yehuwori vachiti inodzorera nyika kumashure. Izvi zvakatsigirwawo naVaJairos Baloyi avo vakati maindasitiri akawanda akafa nekuda kwenyaya yehuwori vachitiwo huwori huri kuramba huchiwedzera munyika.

Mumwe mugari, Amai Mary Nyalungwe, vakati kunyange hazvo vechidiki vari pamberi panyaya yekuziva zvinhu zvechizvino-zvino, kusanganisira hunyanzvi mukushandiswa kwemashoko, zvakakoshawo kuti vechidiki vadzidze mabasa emaoko kubva kuvanhu vakuru.

Amai Nyalungwe vakati vechidiki havachakoshesi kushandisa maoko izvo vakati zvinoitawo kuti maindasitiri arambe achifa.

Asi mumwe wechidiki, Muzvare Jacqueline Ndlovu, vakati vechidiki vari kushaiswa mikana yekupinda muzvikamu zvakasiyana-siyana zvehupfumi uyewo mune zvematongerwo enyika izvo zvinoita kuti vechidiki vakawanda vaite sevasina hany’a nehupenyu.

Studio 7 iri kupinda munzvimbo dzakasiyana siyana munyika senzira yekunzwa kubva kune veruzhinji pamusoro pezvinovabata mukurarama kwavo zuva nezuva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG