Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba muBulawayo Vanoratidzira Pamusoro peKutsakatika kwaDoctor Magombeyi


Vanachiremba vachiratidzira vachikurudzira kutsvagwa nekuwanikwa kwaDoctor Peter Magombeyi.
Vanachiremba vachiratidzira vachikurudzira kutsvagwa nekuwanikwa kwaDoctor Peter Magombeyi.

Vana chiremba vanoshandira muzvipatara zvehurumende pamwe nevamwe vashandi vemuzvipatara vakawanda varatidzira pachipatara cheMpilo Central Hospital muBulawayo vachiratidza kusafara kwavo nekupambwa kunonzi kwakaitwa mumwe wavo, Doctor Peter Magombeyi nemusi weMugovera muHarare.

Vana chiremba ava, avo vange vachisanganisira nevamwe vekuUnited Bulawayo Hospitals, vambovharidzira misiwo yepachipatara cheMpilo vachiimba uye vakabata zvinyorwa zvange zvichiratidza kusafara kwavo nekupambwa kwaDoctor Magombeyi, avo vanonzi vakatorwa pamba pavo muHarare nevamwe vanhu vasati vaziikanwa kuti ndavanaani.

Doctor Mthabisi Bhebhe, vanove munyori mukuru weMpilo Hospital Doctors Association, vanoti havazi kufara nezvakaitika uye vanoda kuti Doctor Magombeyi vawanikwe vari vapenyu. Doctor Bhebhe, avo vakambove munyori wesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association, vanotiwo vanoda kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe.

Mumwe chiremba, Doctor Tawanda Manjonjo, avo vanoti vakamboshanda vose naDoctor Magombeyi, vanoti vanachiremba vakawanda vave kutyira hupenyu hwavo, asi vanotiwo kunze kwekunge Doctor Magombeyi vawanikwa, vachadzokera kubasa chete kana zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Mukuru wechipatara cheMpilo, VaLeonard Mabandi, vanoti sekuziva kwavo vanachiremba vange vavimbisa kuti vachadzokera kubasa mushure mekuratidzira kwechinguva chidiki.

Mumwe murume angozvidoma nezita rekuti Walter, uyo anoti ange ane mudzimai wake ange achirapwa, anoti varwere vakawanda vange vasina kuonekwa navanachiremba.

Vanachiremba vari pakati pekuramwa mabasa apo Doctor Magombeyi vakapambwa. Vanachiremba vave namasvondo maviri vasingaendi kumabasa vachiti havachakwanisa kuwana mari dzekufambisa.

Hurumende inoti iri kugadzira mutemo wekurambidza vanachiremba kuramwa mabasa, asi nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu dzinoti izvi hazvienderani nebumbiro remutemo wenyika.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG