Accessibility links

Breaking News

Madzimai Otaura Nhuna Dzavo kuMusangano weMine ENTRA muBulawayo


Mine entra
Mine entra

Vamwe vanhukadzi vanoita mabasa ezvicherwa vanoti vari kusangana nezvimhingamupinyi zvakawanda kusanganisira kutorerwa nechisimba nzvimbo dzavanenge vachishandira.

Izvi zvabuda pamusangano we “Women in Mining” wekuzeya zvinosangana nemadzimai anoita zvezvicherwa waitwa muBulawayo sechikamu chegungano reMining, Engineering and Transport Expo kana kuti Mine ENTRA iro ratanga neChitatu muBulawayo.

Mamwe madzimai audza musangano uyu kuti rimwe dambudziko ravanosangano naro ndere kutorerwa zvine chisimba nzvimbo dzavanenge vachishandira kunyanya nevanhurume vanenge vachishandisa chisimba chinopinza zvematongerwo enyika mukati.

Mumwe wemadzimai aya, Amai Rejoice Chivendera, vaudza Studio7 kuti ivo nechikwata chavo chemamwe madzimai mashanu vange vave nemakore akawanda vachiita zvekuchera koromo pane imwe nzvimbo kuShurugwi mudunhu reMidlands, vakati vakazotorerwa nzvimbo iyi munguva pfupi yapfuura.

Amai Chivendera vati chinonyanya kuvarwdza ndechekuti vanhu vakauya kuzotora nzvimbo yavaishandira vakatora nekoromo yavaive vachera ivo pachavo.

Muzvare Sibongile Dube vaudzawo Studio7 kuti ivo nechikwata chavo vaiita zvekuchera goridhe pane imwe nzvimbo kunze kweBulawayo asi vakazomira mushure mekunge vaudzwa kuti munhu aive avapa mvumo yekuti vachere apa akange asiri iye muridzi wapo.

Munyori mubazi rezvezvicherwa, VaOnesimo Moyo, vabvuma pamusangano uyu kuti vakanzwa nezvedambudziko iri kunyanya mudunhu reMidlands vakazivisa kuti gurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando, nevamwe vakuru vakuru vebazi iri vachange vari muGweru pakupera kwesvondo kuti vanzwisise zvizere nezvenyaya iyi.

Mukuru wesangano reZimbabwe Miners Federation, VaWellington Takavarasha, vaudza Studio7 kuti dambudziko rekuti madzimai anotorerwa pavanenge vachichera rinonyanya kukonzerwa nekuda kwemaonero ekuti zvezvicherwa ibasa revanhurume.

Asi vati izvi hazvifanirwe kudaro zvikuru kuvanhu vanenge vaine magwaro akakwana anovabvumira kuti vaite basa iri.

VaTakavarasha vati kushomeka kwemagetsi munyika kuri kukanganisa makambani madiki mumabasa avo ezvicherwa izvo vati zvave kuita kuti huwandu hwegoridhe rinotengeswa kuhurumende rive shoma.

VaTakavarasha vatiwo kushomeka kwemari yekunze uye kudzikiswa kwakaita chikamu chemari yekunze chinotengwa nacho goridhe nehurumende kubva kuvacheri, kuri kuvhiringawo mabasa ekuchera chicherwa ichi.


Vati vari mushishi kukurukura nehurumende kuti itenge goridhe nemari yekunze kuitira kuti pasave nevanhu vanozowanikwa vachitengesa goridhe iri kunze zvisiri pamutemo kwenyika.

GunganoreMine ENTRA rinotarisirwa kuvhurwa zviri pamutemo naVaChitando mangwana uye rinopera musi weChishanu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG