Accessibility links

Breaking News

Vagari Voita Maonero Akasiyana Pane Zviri Kuitika muBulawayo


Some Bulawayo residents staged protests against pre-paid water meters today. (Photo: Taurai Shava)
Some Bulawayo residents staged protests against pre-paid water meters today. (Photo: Taurai Shava)

Vagari vemuBulawayo vari kuita maonero akasiyana siyana panyaya yezviri kuitika mukanzuru yeguta reBulawayo, vamwe vachiti zviri kukonzerwa nehuwori, vamwe vachiti zviri kukonzerwa nerusarura rudzi.

Mutauro unotyisa wakasimudza musoro zvichitevera danho rakatorwa nemutevedzeri wameya weguta iri, VaTinashe Kambarami, rekumisa basa munyori weguta, VaChristopher Dube, masvondo mashoma apfuura vachivapomera mhosva dzakati kuti.

Izvi zvakapa kuti vamwe vatsigira vaVaDube, vabude pachena vachishora VaKambarami, vamwe vachiti sezvo VaKambarami vari muShona, vaifanirwa kubva mukanzuru yeguta, vachiti verudzi rweNdebele chete ndivo vanofanira kupinda mukanzuru iyi.

Izvi zvakaita kuti zvinhu zvishate vanhu vakawanda vachisimudzira nyaya yerusarura rudzi, asi vamwe vachiti dambudziko reguta raikonzerwa nehuori huri mukanzuru.

Meya weguta, VaSolomon Mguni, vakazopindira vachimisa kumiswa basa kwaVaDube, asi vakati nyaya iri kupomerwa VaDube inofanirwa kuferefetwa nemazvo.

Mutungamiri wesangano reHabakkuk Trust, iro rinoshanda mukuvaka runyararo muvanhu, VaDumisani Nkomo, vanoti vanobvumirana nemaonero ekuti nyaya yerusarurarudzi yakasimudzwa nemakakatanwa aya, ine chekuita nekusagadziriswa zvizere kwenyaya yeGukurahundi, uyewo kusarira kumashure kunonzi kwakaita matunhu eMatabeleland.

Mudzidzisi wezvekuvakwa kwerunyararo nebudiriro, VaDonwell Dube, vachitaura semuongorori akazvimirira, vanoti panoda kunyatsoitwa tsvakurudzo yakakwana yekuti makakatanwa ari kuitika aya, ari kunyatsokonzerwa nei, vachitiwo nhoroondo yekuve nezvichemo zvisingagadziriswi nehurumende, zvinhu zvinogona kuve zvimwe zvezvikonzero.

Munguva pfupi yapfuura, boka remadzimai eMDC emudunhu reBulawayo, rakashora kwarakati kukurudzirwa kwekupesana kwevanhu pachishandiswa marudzi kuri kuitwa muguta iri.

Mukuru weAffirmative Action Group muBulawayo, VaReginald Shoko, vanoti sangano ravo rave nenguva richitaura nezvehuwori hwavanoti hwave nenguva huchiitika.

Asi VaShoko vanoti vanoshora zvikuru nyaya yekupatsanurwa kwemarudzi.

Mufundisi, uye vari mukuru wechikwata chinonzi Save Bulawayo Campaign, icho chakaita musangano nezuro waikurudzira kuti makanzura eBulawayo abviswe, kugadzwe komishini, VaAnglistone Sibanda, vanoti havakurudziri nyaya yerusarurarudzi.

Mukuru weBulawayo Progressive Residents Association, VaAmbrose Sibindi, vanotiwo zviri kuitika mukanzuru yeBulawayo hazvinei nerusarurarudzi, asi kuti huwori uri pachena.

VaSibindi vanoti zvakakosha kuti makanzuru asati asarudzwa, vave vanhu vanoziikanwa hunhu hwavo munzvimbo dzavanogara.

VaSibindi vanotiwo zvakakosha kuti vagari vasarudze zvine huchenjeri makanzura avo kuitira kudzivirira huwori, kana kutadza kuita basa nemazvo.

Vanhu vane chitsama vakataura pamusangano wanezuro vakaratidzawo kusafara nekutadza kuita basa nemazvo kuri kuitwa nekanzuru iyi, izvo vakati zviri kukonzerwa nehuwori.

Mumwe mugari akangozvidoma nezita rekuti Amai Moyo vakati vanoda kuti pave nekomishini vachiti pave nenguva yakareba makanzura eguta reBulawayo achinongedzwa munyaya dzehuwori.

Vakambove mutevedzeri wameya weBulawayo, VaGift Banda, vakambomiswa basa vachinenedzerwa huwori, asi vakazochenurwa nedare reHigh Court.

Vaimbove murwiri wehondo yerusununguko pasi peboka reZIPRA, VaLinganiso Nyathi, vanoti nyaya yehuwori haifanirwi kuve inopinza zverusarurarudzi mukati.

Vachinyora paTwitter, mumwe wevatevedzeri veMDC, VaWelshman Ncube, vayambira vagari vemuBulawayo kuti vasaite pfungwa yekuda kuve nekomisheni muguta, vachiti izvi zvinogona kudzorera kumashure budiriro yeguta.

Svondo rapera, hurumende yakatumira komisheni yevanhu vashanu kuti iite ongororo yezviri kuitika mukanzuru yeBulawayo.

Komisheni iyi yakapedza basa rayo nezuro uye zvakabuda zvinotarisirwa kuturwa munguva pfupi inotevera.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo emaguta dzinoti kuuyiswa kwekomisheni kuti ifambise mabasa eguta reBulawayo, zvakafanana nekuisa kanzuru iyi mumaoko eZanu PF sezvakamboitika munguva yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakadoma makomisheni ekuti aiite basa mumaknzuru aive pasi peMDC mushure mekunze makanzuru aya apomerwa nyaya dzehuori.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG