Accessibility links

Breaking News

Chikumbiro chaIshe Ndiweni Chonzwikwa neChitatu muBulawayo


Chief Nhlanhla Ndiweni

Dare repamusoro soro muBulawayo raendesa mberi kunzwikwa kwechikumbiro chaIshe Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni chekuti vabhadhare mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mutongi wedare, VaThompson Mabhikwa, vati kunzwikwa kwechikumbiro ichi kwave kuzoitwa mangwana.

Izvi zvatevera chikumbiro chemuchichisi wenyaya iyi, VaKudakwashe Jaravaza, avo vati vange vasati vagadzirira mhinduro kuchikumbiro chaIshe Ndiweni sezvo vakanonoka kuwana gwaro rinotsanangura zvakaitika mudare ramajisitireti umo Ishe Ndiweni vakapiwa mutongo wekuti vagare mujeri kwegore nemwedzi mitanhatu mavhiki maviri apfuura.

Rimwe remagweta aIshe Ndiweni, Muzvinafundo Welshman Ncube, vati vanoda kuti zvibudiswe pachena kuti vakasangana nezvimhingamupinyi mukuedza kuwana magwaro ezvakaitika mudare.

Vati mutongi akatonga nyaya yaIshe Ndiweni, Amai Gladmore Mushowe, vakaita mazuva akati wandei vachivimbisa kuti vanovapa magwaro aya asi vakazovapa nezuro mushure mekunge Va Mabhikwa vakohomedza kuti vavape magwaro aya.

Muzvinafundo Ncube vatiwo chikumbiro chavakaita chekuti Ishe Ndiweni vabvumidzwe kubvisa mari yechibatiso chaive chechimbi-chimbi zvichireva kuti chaifanirwa kubatwawo nenzira yakakodzera.

Zvichakadaro mapurisa anodzivirira mhirizhonga ane chitsama ange akachengetedza dare repamusoro soro apo pange pane vanhu vakawanda vange vachida kunzwa nyaya Ishe Ndiweni.

Mune imwewo nyaya komiti inoona nezvekufambiswa kwemashoko yanzwa kubva kune veruzhinji muBulawayo pamusoro pebhiri reFreedom of Information.

VaDenzel Gwebu avo vanoshanda nesangano reChristian Legal Society vati maonero avo ndeekuti sangano reZimbabwe Human Rights Commission rive iro rinoona kuti mutemo webhiri iri watevedzerwa kwete Zimbabwe Media Commission. Vatiwo nguva inopiwa mapazi akasiyana-siyana kuti ape mhinduro kune zvaanenge abvunzwa inofanirwa kuve pfupi pane mazuva makumi maviri nerimwe anotaurwa nebhiri iri.

Murongi wemabasa musangano reMedia Alliance, VaNigel Nyamutumbu, vati sangano ravo rinoshuvira kuti bhiri iri ribvumidze kuti vanhu vaite zvikumbiro zvavo mundimi dzavanokwanisa kutaura nadzo uye kuti vasabhadhara mari pane zvinhu zvavanenge vachida kuziva.

Bhiri reFreedom of Information nderimwe remitemo mitatu ichatsiva mutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG